Deuteronomy 29

Kuvandudzwa kweSungano

1Aya ndiwo mashoko esungano akarayirwa Mozisi naJehovha kuti aaite navana veIsraeri munyika yeMoabhu, kupamhidzira pamusoro pesungano yaakaita navo paHorebhi.

2Mozisi akadana vaIsraeri vose akati kwavari:

Meso enyu akaona zvose zvakaitwa naJehovha muIjipiti kuna Faro, namachinda ake ose uye nokunyika yake yose.
3Nameso enyu chaiwo makaona miedzo iya mikuru, nezviratidzo nezvishamiso zviya zvikuru. 4Asi kusvikira nanhasi Jehovha haana kukupai pfungwa dzokunzwisisa kana meso okuona kana nzeve dzokunzwa. 5Pamakore makumi mana andakakutungamirirai nomurenje, nguo dzenyu hadzina kusakara, kunyange neshangu dzenyu dzamaiva makapfeka. 6Hamuna kudya chingwa kana kunwa waini kana zvimwe zvinodhaka. Ndakaita izvi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.

7Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakauya kuzotirwisa, asi takavakunda. 8Takatora nyika yavo tikaipa kuvaRubheni, navaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.

9Chenjerai kuti munyatsotevera mashoko esungano iyi kuitira kuti muzobudirira pazvinhu zvose zvamunoita. 10Imi mose nhasi makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vatungamiri venyu navarume vose veIsraeri, 11pamwe chete navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vanogara pamisasa yenyu vanokutemerai huni dzenyu uye vanokukuchererai mvura. 12Makamira pano kuti muite sungano naJehovha Mwari wenyu, sungano iyo Jehovha ari kuita nemi nhasi achiisimbisa nemhiko, 13kuti akusimbisei nhasi savanhu vake, kuti ave Mwari wenyu sezvaakavimbisa uye sezvaakapika kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho. 14Ndiri kuita sungano iyi, nemhiko yacho, kwete nemi chete, 15imi makamira nesu pano nhasi uno pamberi paJehovha Mwari wedu, asi navayawo vasiri pano nhasi.

16Imi pachenyu munoziva magariro atakaita muIjipiti uye namapfuuriro atakaita nomunyika dzatakafamba nemadziri parwendo kusvikira tasvika pano. 17Makaona pakati padzo zvifananidzo nezviumbwa zvinonyangadza zvamatanda namabwe, zvesirivha negoridhe. 18Muchenjerere kuti parege kuva nomurume kana mukadzi, mhuri kana rudzi pakati penyu nhasi vano mwoyo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wenyu kuti vaende vachindonamata vamwari vendudzi idzodzo; chenjererai kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka muchetura unovava kudaro.

19Kana munhu akadaro akanzwa mashoko emhiko iyi, anozviropafadza uye naizvozvo agofunga kuti, “Ndichava norugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yangu.” Izvi zvichauyisa njodzi panyika nyoro uye napanyika yakaoma. 20Jehovha haazombodi kumukanganwira; hasha dzake neshungu dzake zvichapisa pamusoro pomunhu uyo. Kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri kuchawira pamusoro pake, uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pedenga. 21Jehovha achamutsaura iye ari oga kubva pamarudzi ose eIsraeri kuti amuise panjodzi, maererano nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri romurayiro.

22Vana venyu, ivo zvizvarwa zvichazokuteverai uye navatorwa vachauya kubva kunyika dziri kure pavachazoona matambudziko achawira nyika uye nezvirwere zvaicharohwa nazvo naJehovha. 23Nyika yose inenge ichitsva nokuparadzwa nomunyu nesafuri, pasina zvakadyarwa, pasina zvinomeramo, pasina uswa nemiti zvinokuramo. Zvichaita sokuparadzwa kweSodhomu neGomora kana kuparadzwa kweAdhama neZebhoimi, idzo Jehovha akaparadza mukutsamwa kwake kunotyisa. 24Ndudzi dzose dzichabvunza dzichiti, “Ko, sei Jehovha akaita izvi kunyika iyi. Sei akatsamwa zvinotyisa kudai?”

25Zvino mhinduro yacho ichava yokuti, “Nemhaka yokuti vanhu vake vakasiya sungano yaJehovha, iye Mwari wamadzibaba avo, sungano yaakaita navo paakavabudisa kubva muIjipiti. 26Vakabva vakaenda vakandonamata vamwe vamwari uye vakavapfugamira, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vaakanga asina kuvapa. 27Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro penyika iyi, zvokuti akauyisa pamusoro payo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri. 28Mukutsamwa kunotyisa nehasha huru Jehovha akavadzura kubva munyika yavo akavarasira kune imwe nyika sezvazvakaita iye zvino.”

29Zvinhu zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvinhu zvakaratidzwa ndezvedu isu navana vedu nokusingaperi, kuti tigotevera mashoko ose omurayiro uyu.

Copyright information for SnaBDSC